Psalms 82

Pisarema raAsafi.

1Mwari anogara paungano huru;
anotonga pakati pa“vamwari” achiti,

2“Muchasvika riniko muchirwira vasakarurama
uye muchisanangura vanhu vakaipa? Sera
3Tongai mhaka dzavasina simba nenherera;
chengetedzai kodzero dzavarombo navakadzvinyirirwa.
4Nunurai vasina simba navanoshayiwa;
varwirei paruoko rwowakaipa.

5“Havana chavanoziva, havana chavanonzwisisa.
Vanongofamba-famba murima;
nheyo dzose dzenyika dzinozungunuswa.

6“Ndakati, ‘Muri vamwari;
imi mose muri vanakomana veWokumusoro-soro.’
7Asi muchafa savanhuwo zvavo;
muchawa savatongi vose.”

8Simukai, imi Mwari, mutonge nyika,
nokuti ndudzi dzose inhaka yenyu.
Copyright information for SnaBDSC